Auya manje mutsigiri WaMudhara Macheso Proud Gurudza Simango Baba Salo dangwe raNevermind Simango naTaurai Siyanda nekambo kenyu kekutenda imi vakatibereka
Munozviziva here Kuti vabereki vedu makatikoshera sevana venyu vamakabereka vanoti Proud, Mogeni, Aqueline,Trelline, Meluleck naLocadia. Aiwa tinoti Makaita henyu Basa makatibereka,mukatirera kusvika patiri nhasi, Aiwa haasi mafanisi komborerwai Sekuru vaSalo naMbuya vaSalo.
Baba vangu Sekuru vaSalo ndinorangarira muchitaura neni pafoni ndiri kuSouth Africa muchiti Mwana wangu Proudy, unoti Mwari vangakanganwa here Basa rese riya rawakabata paJerusarema paMbungo Receiving Office, ndipo pandakaziva kuti baba muri Mutendi wezvokwadi, Aiwa komborerwai Sekuru vaSalo.
Amai vangu Mbuya vaSalo nekukuwo vachiti inguva Vana vangu musatya, zvichaita nenguva yaMwari, Aiwa komborerwai Mbuya vaSalo.
Mwari vachadaira minamato yenyu baba naMai vangu musatya zvenyu.
Vana venyu hamudi navo, vazukuru venyu hamudi navo, nesuwo sevana hatidiwo nemi baba naMai nyakutumbura.
Saka tinoti wedzerwai makore ekurarama ave mazhinji panyika azere neropafadzo.
Vabereki vedu Nevermind Simango Sekuru vaSalo naTaurai Siyanda Mbuya vaSalo kana tichikuonai tinoona kubata kwaMwari kwakapetwa katatu pamuri.
Izvozvi tavawo nemhuri dzedu kududzira huvepo hwaMwari wenyu baba naMai hunotikoshera saka komborerwai.
Ndidzo Nyasha tarirai vazukuru vave fararira vanoti Salomu, Reality,Flavio Salvation, Ashley, Ashington, Trinity haa hatingavapedze kuvadoma Vose nemazita nekuti vakawanda.
Nevermind Simango Sekuru vaSalo
Taurai Siyanda Mbuya vaSalo ndati komborerwai
Ndinoshaya Kuti ndokuitirei vabereki vangu zvingafadza Moyo wangu asi nekushaiwa moyo unogara wakaremerwa.
Zvisinei hazvo kana nguva yaMwari yakwana hapana chinoramba, Naizvozvo Moyo wangu ungafara chose kana Mwari vakazadzisa zvishuwo zvemoyo wangu pavabereki vangu vakandibereka.
Famba Zion
Tiri pajoin neZion
Dhange Zion
Baba Salooo
Zion Christian Church City of peace.
Amen.