Dzikamisa hana mwanasikana
Mirira nguva ka ichakwana
Handidi uzochema neni mangwana
Dzikamisa hana uchiri mwana
Unondirambira kuenda kuchikoro
Nekuda Kwako handina zororo
Ndinogaro temwa nemusoro
Mwanangu usadaroooo
Muupenyu bata wega magear
Hausi Auto ndinoda ugozviziva
Usaita husingi hwekubata chiva
Unemeso meso unongochiva
Zvandisina mbuya handina tete
Kukurayira ini handinete
Usandicherechedze chimiro kwete
Ndiribaba vako chero ndikava mutete
Chara chimwe hachitswanye inda
Uriwega pamwe zvikangakukunda
Zvenyika ino haungambozvikunda
Rangu zano mwanangu funda